Exodus 10

Dambudziko Rorusere: Mhashu

1Ipapo Jehovha akati kuna Mozisi, “Enda kuna Faro nokuti ndaomesa mwoyo wake uye nemwoyo yamachinda ake kuitira kuti ndiite zviratidzo zvangu izvi pakati pavo, 2kuti mugoudza vana venyu navazukuru venyu marangiro akaoma andakaita vaIjipita uye kuti ndakaita zviratidzo zvangu sei pakati pavo, uye kuti imi mugoziva kuti ndini Jehovha.”

3Saka Mozisi naAroni vakaenda kuna Faro vakandoti kwaari, “Zvanzi naJehovha: Mwari wavaHebheru, ‘Uchasvika riniko uchiramba kuzvininipisa pamberi pangu? Rega vanhu vangu vaende kuti vanondinamata. 4Kana uchiramba kuvatendera kuenda, ini ndichauyisa mhashu munyika yako mangwana. 5Dzichafukidza nyika yose zvokuti pasi hapangaonekwi. Dzichadya zvishoma zvawakanga wasiyirwa shure kwechimvuramabwe, pamwe chete nemiti yose iri kumera muminda yako. 6Dzichazadza dzimba dzako nedzamachinda ako nedzavaIjipita vose, chinhu chisina kumboonekwa namadzibaba ako kana madzitateguru ako kubva pazuva ravakagara munyika ino kusvika zvino.’ ” Ipapo Mozisi akatendeuka akabva pana Faro.

7Machinda aFaro akati kwaari, “Munhu uyu acharamba ari musungo kwatiri kusvikira riniko? Regai vanhu vaende, kuti vagonamata Jehovha Mwari wavo. Ko, hamusi kuzviona here nazvino kuti Ijipiti yaparara?”

8Ipapo Mozisi naAroni vakadzoswazve kuna Faro. Iye akati, “Endai mundonamata Jehovha Mwari wenyu. Asi vachaenda ndivanaaniko?”

9Mozisi akapindura akati, “Tichaenda navaduku vedu uye navakuru, pamwe chete navanakomana vedu navanasikana vedu, uye namakwai edu nemombe dzedu, nokuti tinofanira kuita mutambo wokupemberera Jehovha.”

10Faro akati, “Jehovha ngaave nemi, kana ndikakutenderai kuenda, pamwe chete navakadzi navana venyu! Zviri pachena kuti imi muri kuda kuita zvakaipa. 11Kwete! Varume chete ngavaende; vandonamata Jehovha, sezvo zviri izvo zvamanga muchikumbira.” Ipapo Mozisi naAroni vakadzingwa pamberi paFaro.

12Uye Jehovha akati kuna Mozisi, “Tambanudza ruoko rwako pamusoro peIjipiti kuitira kuti mhashu dzigoita bute pamusoro dzigodya zvose zvinomera muminda, zvose zvakasiyiwa nechimvuramabwe.”

13Saka Mozisi akatambanudza tsvimbo yake pamusoro peIjipiti, uye Jehovha akaita kuti mhepo yokumabvazuva ivhuvhute munyika zuva rose nousiku hwose. Mangwanani, mhepo yakanga yauyisa mhashu; 14dzakazadza Ijipiti yose uye dzikamhara munzvimbo dzose dzenyika dzakawanda zvikuru. Hakuna kutongova nedambudziko remhashu rakadai, uye harichazombovapozve. 15Dzakafukidza pasi pose kusvikira pasviba kuti svi-i. Dzakadya zvose zvakanga zvasara shure kwechimvuramabwe, zvinhu zvose zvaimera muminda uye michero yaiva pamiti. Hakuna chakasvibirira chakasara mumiti kana zvirimwa zvomunyika yose yeIjipiti.

16Faro akakurumidza kudana Mozisi naAroni akati, “Ndatadzira Jehovha Mwari wenyu uye nemi. 17Zvino ndiregerereizve chivi changu uye munyengetere kuna Jehovha Mwari wenyu kuti abvise kwandiri dambudziko rinouraya iri.”

18Ipapo Mozisi akabva pana Faro akanyengetera kuna Jehovha. 19Uye Jehovha akashandura mhepo ikava mhepo ine simba yokumavirira ikasimudza mhashu ikadzikanda muGungwa Dzvuku. Hapana mhashu yakasara papi zvapo muIjipiti. 20Asi Jehovha akaomesa mwoyo waFaro, uye akasatendera vaIsraeri kuti vaende.

Dambudziko Repfumbamwe: Rima

21Ipapo Jehovha akati kuna Mozisi, “Tambanudzira ruoko rwako kudenga kuti rima ripararire pamusoro peIjipiti, rima rinonzwikwa.” 22Saka Mozisi akatambanudzira ruoko rwake kudenga, rima guru rikafukidza Ijipiti yose kwamazuva matatu. 23Hapana aigona kuona mumwe munhu papi zvapo kana kubva panzvimbo yake kwamazuva matatu. Asi vaIsraeri vainge vane chiedza munzvimbo dzavaigara.

24Ipapo Faro akadana Mozisi akati, “Endai mundonamata Jehovha. Kunyange vakadzi venyu navana vangaenda havo nemi; musiye chete makwai enyu nemombe.”

25Asi Mozisi akati, “Munofanira kutitendera kuti tive nezvibayiro uye nezvipiriso zvinopiswa kuti tipe kuna Jehovha Mwari wedu. 26Zvipfuwo zvedu zvinofanira kuendawo nesu; hapana hwanda rinofanira kusara. Tinofanira kuzvishandisa zvimwe zvacho mukunamata Jehovha Mwari wedu, uye kusvikira tasvikako hatingazivi zvatingashandisa kuti tinamate Jehovha.”

27Asi Jehovha akaomesa mwoyo waFaro, saka haana kuda kuvatendera kuti vaende. 28Faro akati kuna Mozisi, “Ibvai pano! Chenjerai kuti murege kuzoonekwazve pamberi pangu! Musi wamuchaona chiso changu muchafa.”

29Mozisi akapindura akati, “Sezvamareva, handichazoonekwazve pamberi penyu.”

Copyright information for SnaBDSC